Zambara rakazarurwa Kuti ini ndipinde;
Muchinjiko waM’ponesi Tichauona apo.
CHORUS
Mutsa wakadzama kwazvo kuti andizarurire,
Ini...ini...Rasiyirwa ini.
(Ini) (ini.)
Zambara rakazarurwa Kuti vese vapone.
Vapfumi kana varombo, madzinza kana ndudzi.
Pamberi ngatifambenyi, richakandozarurwa,
Gashiranyi rudo Rwake, Chiremba nem’chinjiko.
Hunde mhiriyo kwerwizi Totura muchinjiko
Totakura ‘cho-chiremba Toda Mwari kudenga.