Usade kuregererwa kune basa
Mira usewenze, kwese ungaiswe
Kukona kwake kuri kupiwa iwe
Gashira uwane basa rekudenga
CHORUS
O huya… usawe senyope,O huya… mira
usewenze; Usade kuregererwa
Ungazonzwi achiti kunewe, hauchina basa
Usade kuregererwa, wadaidzwa
Chikasika iwe kuita basaro
Minda yatoibva vacheki vashoma
Farira kuita basa rake Tenzi
Usade kuregererwa
Kunengozi mukunonoka kuita basa rake
Uchinyengererwa neinzwi raTenzi
Jesu anemutsa uya uponeswe