Hatizivi nguvapo Jesu
Achauya pasi pano
Zvimwe pamanheru usiku
Kana mangwanani kwavo
Atitaurira tirinde
Ne mwenje yagadzirirwa
Kuti Jesu achationa
Tiri kum’rindira Iye
CHORUS
Tikumirira Nekurindira,
Tikumirira, Tichiri kukurindira
Ndinotondera mutsa wake
Kuti wakatiponesa
Wakasiya imba dzembiri
Kuwuya kuzotifira
Ndinofunga kuti afadzwa
Apo isu vanhu vake
Tofara mukuwuya kwake
Nekumurindira Iye
O, Jesu muponesi wangu
Ndinosimbira kunemwi
Kuti apo munozowuya
Munozondi chingamidza
Zvimwe vamwe vachakutiza
Sezvo ngewawo Mutongi
Ini ndinokuchingamidza
Nekukurindira Imwi