Ridzanyi matare kune rufaro!
Mweya wapumhuka wadzoka
Baba wom’gashira ari munzira
Omugashira mwana wake
CHORUS
Mbiri ngirosi dzinoimba
Mbiri marimba anorira
Hondo yekudenga senyanza huru
Yoimba vasununguka
Ridzanyi matare kune rufaro!
Mupumhuki agashirwazve
Mweya waponeswa kubva muzvivi
Wabarwa patsva aponeswa
Ridzanyi matare kune mutambo!Ne ngirosi ngadzi imbewoVaudze rufaro usvike kweseMunyangadzi abarwa patsva