Muka mwoyo murufara, Imba rukudzo rwaTenzi
Anoda ndimuimbire, Mutsa wake wakanaka
CHORUS
Mutsa wake wakanaka, Mutsa wake wakanaka
Akandivona muzvivi, Akandidisisa kwazvo
Ndiye akandiponesa, Mutsa wakanaka
Kana mukati memhandu, Kana pasi rindishore
Anotungamira mweya, Mutsa wake wakanaka
Kanapo matambudziko, Azowandisisa seyi
O mira nemweya wangu, Mutsa wakanaka