Muka mwoyo wangu, Bvisa kutya kwese
Mupiro weropa vakapirwa ini
Ur’pamberi penyupo, Ur’pamberi penyu
zvino; Zita rangu raka nyorwa
Ari kumusoro, Kumirira ini
Nekundinunura, Neropa’ro rake
Iye Akatifira, Aparadza ropa rake
Riri pachigaro chemutsa
Madzvadzi mashanu, Epa Karivari
Ondinamatira, Nekundimirira
Oti musunungure, Otizve musunungure
Musarege mutadzi afe
Baba anomunzwa, Anoyera wake
Haanga musiyi, Mwana wake ega
Mweya wake wonzvika, Uchitaura uchiti
Wabarwa patsva kuna Mwari