Apo tinofamba muinzwi raBaba
Imbiranyi toona m’nzira
Kuti tinomuda, nesu anogara
Nevese vanomuteerera
CHORUS
Kuteerera, Ndiyo basi nzira,
Kufara kuna Jesu, Basi kuteerera
Hakuna urombo hunotitambudza,
Asi Jesu anohudzinga,
Kana kupokana, masodzi nekutya
Hazvigari nekusimbira
Hakuna mutoro, hakuna urombo,
Asi anotidzokesera,
Hakuna kushaya, kana kutambudzwa,
Tinowana nekusimbira
Asi hatione kufara kwerudo,
Dakara zvese tinomupa,
Ngekuti anopa kufara nerudo,
Kuna ivo vanosimbira
Ndizvo pamwe tese tinogara naYe,
Kana kufamba naYe m’nzira,
Isu tichaita mazwi ake ese,
Kuteerera nekusimbira