Kupura kwepasi kwaswedera
Tenzi anodana vacheki vake
Kure nepetyo mapfunde aibva
Aibva kuti apinzwe mudura
CHORUS
Swendedza musi, Takura mwanda
Swendedza musi, kumusha
Mangwanani asina kuchenaba
Arikukasika kuswedera
Mapfunde akaraswa muchitema
Ngaaunganidzwe nguva ichipo
Zvanaka kusevenza nerudo,
Tsime rakanaka rekudenga
Tokokwa tosundwa neurwu rudo
Runotipa michero yakawanda