Hakuna hama kupinda Jesu, Hakuna, neimwe!
Hakuna umwe kurapa vese, Hakuna, neumwe!
CHORUS
Anoziva nanhamo Jesu, Anotungamira tese,
Hakuna umwe kupinda Jesu, Hakuna!neumwe.
Hakuna umwe mukuruzveba, Hakuna ne-umwe!
Asi Anozviita muduku, Hakuna neumwe!>
Hakuna nguva asipo Iye, Hakuna neimwe:
Kana usiku rudo ruripo, Hakuna neimwe.
Hakuna umwe akamborambwa, Hakuna neimwe! neumwe!
Kana munyangadzi ha’murambi, Hakuna!neumwe!
Hakuna chipo chikuruzveba, Hakuna nechimwe!
Hangatinyimi musha kudenga, Hakuna neumwe!