Mwoyo yedu ngaifare, Tinogununguneyi
Kana ivo Baba vedu, Vachingotichengeta?
CHORUS
Ngatifare, ngatifare, Tinovona kupenya
Nzira yebasa yakanakisa, Kana tichifara
Apo achitungamira, Kana izvo zvitema
Zvinozotikurirazve, Jesu anotibatsira
Kana tichirega basa, Tino rwadziwa mwoyo
Mumvuri unoswedera, Kuzodzinga rufaro
O! vatsvene vanogara, Vachifarisisazve
Nzira yavo inopenya, Idayi zvakanaka