Ndiri kufamba munyika, Musina nechiro
Asi imwi makazadza, Nzira nemaruva
Nyika iyi yeBeulah, Yakanaka kwazvo
Nokuti ndinaye Tenzi, Zuva nesikati
CHORUS
Nyika yakanaka kwazvo, ndinoidisisa
Nyika iyi yechitsidzo ndiri kuivona
Hakuna nebvute rose, Kana nedimazve
Mbiri yenyu inovepo, Zuva nevusiku
Nzvimbo dzakanaka, Dzinoimba nengirozi
Dzino nzvikwa kwese kwese, Dzondifadza ini
Ndozofamba murufaro, Kumusha wedenga
Mwoyo wangu unofara, Zuva nesikati
Mazambara ekudenga, Ndave petyo navo
Nekuti nzira iyoyi, Ndeye kumusoro