Jesu arikudanira kumusha, kudana iwe neni,
Arindira pamusiwo nemwoyo, Rindira iwe neni.
CHORUS
Uya kum’sha, Imi maneta uya.
(Uya) (Kum’sha)
Jesu arikumudaidza kwazvo, O munyangadzi uya
Musanonoke achimudaidza Kunyengerera imwi,
Ngenyiko tisinganzwi mutsa wake, Mutsa kunewe Nemi.
Nguwa irikukasika kupfu’ra Kupfu’ra iwe neni,
Bvute, nedima, rufaro zvouya Uya kunewe neni
Funga ngerudo akatitsidzira Tsidzira iwe neni
Kana takatadza ‘nosunungura, Osunungura tese.