O Boundless Salvation
1. Ruponiso kwazvo! gungwa rorudo,
Nengoni dzaJesu dzedenga uko,
Dzingasunungure nyika ’yi yose,
Dzokwanira vose, ngandinunurwe.
2. Ndine zvakaipa zvizhinji zhinji
Pamusana pazvo ndine misodzi;
Asi misodzi ’yo haikwanire;
Ndingashambidzike neropa chete
3. Ndasungwa nezvivi, handingakunde,
Zvinondiitisa zvandisingade;
Asi narwo rudo netsitsi dzaShe,
Ndingasunungurwe,ngandinunurwe.
4. Zviripo zviedzo zvinondityisa,
Mumisi yangu handina kufara;
Asi Muponisi angandiite
Kuti ndifadziswe norudo rwake.
5. O Gungwa retsitsi, gungwa rorudo,
Ndaida kupinda mumvura mako.
Zvakare ndauya, ndisadzokere
Ndisati ndapinda kuti ndichene.
6. Zvino ndinopinda muna ’yo mvura
Ndinonzwa M’ponisi achindidana;
Ndinosimbaradzwa ndichishambidzwa;
Ndapinda mairi, yondishambidza.
7. Zvino, Hareruya! Ose mazuva
Anozoshandiswa kumurumbidza,
Iye wakaita gungwa rorudo
Kuti rikwanire ini nemiwo.