While Shepherds Watched
Vafudzi zvavaifudza,
Usiku musango,
Vakatumirwa ngirozi,
Kukapenya kwazvo.
1.
Ikati; regai kutya,
Ndokupai mose
Mazwi anofadzisa,
Kwamuri navose.
2.
Uko kuBheterehema,
Nhasi atozvarwa
Kristu, Ishe noM’ponisi,
Wavanhu venyika.
3.
Muchaona uyu mwana
Watobva kuDenga,
Akafukidzwa nenguwo,
Arere muzamba.
4.
Ngirozi zvayakapedza,
Dzimwe dzakauya,
Dzikaimba kunaMwari,
Dzichimurumbidza.
5.
Rurumbidzo ngaruvepo
Kuna Mwari wedu,
Norugare rusingafe,
Ngaruve kuvanhu
6.
ISITA: KUTAMBUDZWA,
Tarisa zvino Gwayana,
Ari paMuchinjikwa;
Atiparadzira ropa
Ari paMuchinjikwa.
Inzwa izwi rake zvino;
Iwe unofarireiko?
Ona paanofarapo,
Ari paMuchinjikwa.
Tarisa maoko ake,
Ari paMuchinjikwa;
Tarisa kudivi rake
Ari paMuchinjikwa.
Zuva raramba kupenya,
Nokudenga kunosviba,
Jesu worwa nokuipa
Ari paMuchinjikwa.
1.
2.