Uyai vatadzi, kuna Jesu ‘She,
Mutore ruponiso rwepachena;
Mukai varanda, musakotsire,
Tendai, chiedza, mbiri zvigopinda.
1.
Mhondoro yaJudha ndiSamasimba
Inokupa rukundo nguva dzose.
Satani nenyika zvichakurwisa,
Kukudzivirira kuuya kwako,
Sezvo Jesu M’ponisi akakunda,
Achakuyamura kuti ukunde.
2.
Nyangwe kurwa nenhamo zvichityisa,
Kune dzimba dzerugare kudenga;
Uchazoona ngundu noumbambo,
Zvipo zvavakundi, zvakakumirira.
3.
Kana wopinda mum’pata wokufa,
Ufambe naye, wokupa masimba,
Usingatye chinhu, uchiteura,
Ngirozi dzichakupinza kudenga.
4.