1. Vakaimba rwiyo
Madeko mutemberi,
Mwenje waibvira
Mberi kweAreka;
Izwi rakabva kudenga
Rikanzwika mutemberi
2. Harahwa yaive
Muprisita weIzirairi;
Waichengetedza
Mwana wemuRevhi;
Zvaivanzwa kuna Eri
Mwana waHana waiziva.
3. Ndipei nzeve, Ishe,
Nzeve yaSamueri,
Inonyatsonzwisa
Zvinorehwa nemi;
Ndipindurewo semi,
Imi nokukutererai.
4. Ndipei mwoyo, Ishe,
Mwoyo waSamueri
Unomira mumba
Nokukurindirai;
Masikati nousiku,
Unoita kuda Kwenyu.
5. Ndipei pfungwa, Ishe
Pfungwa inorutendo,
Igozvipira
Murufu, muupenyu;
Ndigoverenga somwana
Chokwadi chakavanzika.