Salvation Army Hymn 94

Tenzi, kuri kuvhuvhuta,
Gungwa rave nehasha,
Nedenga rose ratosviba,
Hatina pokuhwanda;
Motirega here tife?
Mungarare sei?
Nguva yose yototyisidzirwa,
Gungwa ringave guva.
1.
Mhepo negungwa zvonditerera,
Nyarara!Nyarara!
Kana kushatirwa kwegungwa,
Mashave, vanhu , kana chii,
Mvura hainganyudze ngarava,
Murere Tenzi wegungwa, napasi,
Zvose zvichanditevera
Nyarara! Nyarara!
Zvose zvichanditevera
Chinyarara.
Tenzi neshungu mumwoyo,
Nhasi ndozvideredza;
Kusuwa kwemwoyo kwondinetsa,
Mukai mundiponese.
Masaisai ezvivi
Ave kundinyudza;
Ndoparara here,
Tenzi wangu?
Ndibatsirei zvino.
2.

Tenzi, kutya kwakazopera,
Nedutu ranyarara,
Zuva ropenyawo munyanza,
Denga mumwoyo mangu;
Mununuri garai neni,
Musandisiyezve,
Norufaro ndichazosvikako,
Kumusha, ndozorora.
3.
H.R. Palmer

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.