Zvino vanomusimudza
Ari paMuchinjikwa;
Anokunzwira kusuwa,
Ari paMuchinjikwa.
Makomo anodedera,
Kana Jesu achiita
Rudzikunuro rwenyika,
Ari paMuchinjikwa.
3.
Zvino mabasa aitwa
Ari paMuchinjikwa;
Kurwa kwapera wakunda;
Ari paMuchinjikwa.
Anotarisa kudenga,
Iye anoti: Zvapera!
Anokotama ndokufa
Ari paMuchinjikwa.
4.
Kwose ndichaudza nyaya
YoMuchinjikwa wake;
Hapana chinondifadza,
SoM’chinjikwa wake.
Misi yose ndichareva,
Panyika napakudenga,
Kuti Jesu wandifira
Ari paMuchinjikwa.
5.