Sevanhu kare kare
Vakaona nyenyedzi,
Vakafadzwa nomwenje
Kutungamirirwa nawo;
Nesu titungamirirwe
Nguva dzose kwauri.
1.
Sezvavakachimbidza
Kuona muzamba,
Mwana vopfugamira,
Mudikanwi wedenga;
Nesuwo ngatiuye
Kuchigaro chengoni.
2.
Sezvavakapa zvipo
Muzamba, KuMwana’yo
Nesuwo, noutsvene
Tisina manyangadzo,
Tiunze zvipo zvedu
Kwamuri, Kristu Mambo.
3.
Jesu, ose mazuva
Tichengetei munzira;
Zvenyika zvapfuura
Ngaiuyiswe mweya
Kwamuri, ‘She, nyenyedzi;
Kwamusingavanzike.
4.
Kunyika’yo kudenga,
Hakudikanwi nwenje;
Ndimi, ‘She, mwenji wayo,
Zuva risinganyure:
Tichaimba, narinhi:
Hareruya, kuna ‘She!
5.