Salvation Army Hymn 231

ANGAFE HERE MUTADZI?





1.
Angafe here mutadzi?

Jesu waturikirwei?
Kuchema uko ndokwei?

Anonamatira imi:
Baba muvaregerere,

Nokuti havandizive




2. Jesu wakabva kudenga

Kuti atidzikinure;

She werudo runogara,

Kuti nyika iponiswe,

Mweya uve mupuputi

Wo kuti makafira ini.


3. Gwayana rokununura

Nokutambudzika kwenyu,

Nokusuwa paM’chinjikwa
Takacheniswa zvachose,

Kunyadzwa, neropa renyu,

Bisai, mubise zvitadzo.






4. Ndisvipure tsoka dzenyu,

Dzishambidzwe nemisodzi;

Ngandiudze rudo rwenyu,

Munzeve dzavo vatadzi;

Kuti vose vaponiswe,
Nokuti ndanzwirwa tsitsi.


5. Rudo rwenyu rwundimutse,
Rudo rwenyu rwepachena;

Kuti vakaipa vose
Vanzwe tsitsi dzandiwana,

Kuti vose vaziviswe
Rudo rwenyu rusingafe.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.