1. Farisai neni,
Ndaive murombo;
Asi zvino ndahuwana
Upfumi hworudo.
2. Farisai neni,
Ndairwadzwa mwoyo,
Asi ndasangana naye
Anorapa kwazvo.
3. Farisai neni,
Ndaineta kwazvo;
Asi ndawana ruoko
Runo ruyamuro
4.
Farisai neni,
Nokuti ndawana,
Hama inoziva mwoyo,
Asi inondida.