1. Jesu, norufaro ini ndoimba :
Mununuri wangu, mambo nehama;
Muri wangu chose; zvino ndopira
Upenyu nazvose kwamuri moga.
Zvose ndozvipira, kana zvishoma.
Upenyu nenguva, zvitorei Jesu
Zvose ndozvipira, kana zvishoma
Upenyu nenguva, zvitorei Jesu.
2. Ndinozove murwi, nokurwisana.
Nokuipa kwose, idi kurwira;
Jesu ndiyamurei kutsungirira,
Kuti ndibatsire varasika.
3. Ndichave mufambi, ndisina kutya,
Pane nhano dzenyu ndichatevera;
Pane nzira duku, wotungamira,
Kana kune rima kune’ro zuva.
Gladys M Taylor