Salvation Army Hymn 29

Rudo rwaMwari rukuru,
Zvokuti anonzwa
Kushaya kwomwoyo wangu,
Wobisa misodzi;
Nyangwe ndisinganzwisise
Udzamo hwerudo,
Wochengeta mweyawangu,
Haangakundike.
1.
Mwari anerudo
Rudo rwoshamisa,
Wakapa Mwana wake
Kuti andifire,
Rudo rwoshamisa.

Rudo rwaMwari rukuru,
Kwose kwondoenda,
Kukahadzika kwasvika,
Ndom’bata ruoko.
Rudo runotanda kutya,
Ndakasunungurwa,
Nenzeve dzangu ndinonzwa
Izwi rinofadza.
2.
Rudo rwaMwari rukuru,
Wochenesa nzira;
Zvino ndawadzana naye,
Zvisingazopera.
Baba haandikumbire
Zvipo zvakakurisa;
Asi kuti ndimudise,
Nokumushandira.
3.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.