1. Ndomupei, Mwari wangu,
Netsitsi kwandiri
Ndichatora zvipo zvake
Ndokumbira zvimwe.
2. Mukombe wengoni dzake
Ndichaugam’chira,
Nazvo zvivimbiso zvake,
Nokubwinya kwake.
3. Mhiko dzangu ndochengeta
Nomuzita rake,
Zvandiri nezvandinazvo,
Ndotaura kwaari
4. Mwari anorudo
Muna Ishe Jesu;
Wakatipa nzira
Inoenda kudenga.
5. Ngative maari
Iye wokudenga,
Titsvage kuziva,
Tigove nerudo.
Bring Your Tithes
1. Unzai zvegumi, zvenyu,
Patsoka dzoM’ponisi;
Isai zviripo zvenyu,
Zvipirei kwaari.
Chiuyayi vadikanwa,
Nezvose zvinodiwa,
Sanganai nesu zvino
Mumweya wokupira.
2.
Ipai mazuva enyu,
Zvinhu zvamunodisa;
Dzorerai kuna Mwari,
Izvo zvamakapiwa.
3.
Kunyange zvipo zvishoma
Ipai kuna Mwari;
Jesu wogam’chira zvose,
Zvinopirwa chokwadi.
4. Mwari wakativimbisa
Kuzotiropafadza;
Anozotikomborera,
Netsitsi togam’chira.
6. Ishe unoona,
Mwoyo iratidzwe
Runako rworudo,
Nokubwinya kwenyu.
O God Of Bethel
1. Imi, Mwari weBheteri,
Nemi tinogutswa ;
Namadzibaba murwendo,
Mavatungamira.
2. Zvivimbiso tinoisa
‘She, pamberi penyu;
Mwari, ‘She, wamadzibaba,
Nezvizvarwa zvavo
3. Nomunzira dzine njodzi,
Mutitungamire;
Tipei kudya, zvipfeko
Zvinotikwanira.
4. Tifukudzei mweya wenyu
Tisadzungaire;
Kumusha waBaba wedu,
Mweya izorodzwe.
5. Maropafadzo enyu, ‘She,
Tinoakumbira;
Imi, muri Mwari wedu,
Nokusingaperi.
New Year
O God Our Help In Ages Past
1. Mwari wedu mubatsiri,
Tariro yemberi;
Chipotero pane dutu,
Muri musha wedu.
2. Pasi pechigaro chenyu
Vatendi vogara;
Vochengetwa nemi bedzi,
Vodzivirwa nemi.
3. Makomo pamwe nenyika
Zvisati zvasikwa,
Makangogara muripo,
Narinhi narinhi.
4. Chihuru chawo makore
Angange usiku
Hwumwechete hwapfuura,
Richabuda zuva.
5. Nguva inenge rukova
Rwunotora zvose;
Vanoenda sechitoro,
Chinofa kwayedza.
6. Mwari wedu mubatsiri,
Tariro yemberi;
Tichengetei muupenyu
Tizogara nemi.
1. Nyasha, nengoni dzenyu,
Mugore riri mberi;
Tokutendai norwiyo,
Tinzwei, Jesu, M’nunuri.
2. Mberi kwedu, irima,
Titungamirei, Ishe;
Vavengi vane simba,
Tipei zvombo zvehondo.
3. Munhamo, mukusuwa
Ivai dombo resimba;
Kana tashaya nzira,
Ivaiwo nzira yedu.
4. Titendeke muidi,
Tive venyu narinhi;
Tiyamurei kutsunga,
Tikodzeresei ngundu.
XI
RUFU
Funerals
Abide With Me
1. Gara neni, zuva ratsenhuka;
Garai neni, rima zvarasvika :
Kana vakundi vabatsiri,
Muyamuri wangu, garai neni !
2. Nguva youpenyu inoguma;
Rufaro rwenyika rwopfuura;
Nezvinhu zvose zvichazopera,
Asi, Ishe hamumbopinduka.
3. Ndoda muve neni misi yose;
Ndokunda nengoni dzenyu chete:
Ndimi bedzi nhungamiri yangu,
Muna zvose muyamuri wangu.
4. Hapana mhandu ingandityise
Kana dambudziko nemisodzi;
Handitye kufa, handitye guva.
Nemi ndichakunda pakuguma.
5. Pakufa ngandione M’chinjikwa
Wakavheneka nzira yeDenga;
Zuva robuda harichadoka;
Garai neni zvino, nomukufa.
1. Hupfupi hupenyu hwedu,
Mashoma mazuva edu;
Tinodisa misi yose,
Kuregera nzira dzedu;
Matambudziko nomufaro,
Zvose zvingashandire ; She
Noukama hwose hutsva
Munhamo hungatsveniswe.
2. Asi, zuva richadoka,
Nerima richasedera,
Mariri tichaterera;
Izwi raShe rinonzwika,
Rinotidaidza mberi,
Kubva kuzvinhu zvenyika,
Towoneka nyika sei,
Nyika iyi yakanaka?
3. Voreva zita raJesu,
Vatsvene vake vanoda;
Muna iye vanovimba,
Zvino havazive kutya;
Murudo vanozvipira,
Voti : zvakanaka zvose,
Vafi vopiwa naJesu,
Hupenyu husingaperi.
KANA KWASVIKA KUFA, WOITEI?
1. Kana kwasvika kufa, woitei?
Usina kunamata, woitei?
Pamusi’yo wokufa
Mweya unozobiswa;
Kuteura kwapera, woitei?
2. Iwe uri kuseka, woitei ?
Parukova rwokufa, woitei ?
Wokunda here kutya,
Woti : hazvina mhaka ?
Kana pasi wonyura, woitei ?
3. Iwe usingade ‘She, woitei ?
Ungazvidzikinure, woitei ?
Kufa kwakusvikira,
Zvose zvakundikana,
Wokonwa kumuwana, woitei ?
4. Iwewo mudududzi, woitei ?
Ungatizire kupi, woitei ?
Hana yako yorova,
Kana wave pakufa,
Nokusazviyamura, woitei ?
1. Mumaoko aJesu,
Pachipfuva chake;
Mweya uchazorora,
Nomurudo rwake.
Ndiri kunzwa ngirozi
Dzichindiimbira
Munyika yakanaka
Yegungwa rorudo.
Mumaoko aJesu,
Pachipfuva chake;
Mweya uchazorora,
Nomurudo rwake.
2. Mumaoko a Jesu,
Musina nenhamo;
Kureko nezviyedzo,
Kusina zvivi,
Kusina nokusuwa,
Zviyedzo hakuna,
Kana misodzi.
3. ‘She, chipotero changu
‘She, wakandifira;
Dombo, pandinomira
Pandinovimba.
Ngandive nokushinga
Pausiku hwose;
Dakarawo chiedza
Chindivhenekere.
1. Mushandi waMwari,
Chizorora zvino;
Wakarwisa wakakunda,
Pinda murufaro.
2. Wadaidzwa naShe,
Wada kupindura;
Pakarepo wakashaya
Asina nokutya.
3. Mweya wake wabva,
Wakasununguka;
Muviri wake ndokufa,
Upenyu hwapera.
4. Rufu rwapfuura,
Mushando wapera;
Kurwa kwose kwagumiswa,
Mweya wazorodzwa.
5. Mushandi waMwari,
Tangisa rukudzo
Kusingapere, narinhi
Gara naShe wako.
Your Garments Must Be White
1. Nguwo dzako ngadzichene;
1. Tinoenda kudenga uko,
Zvigadzire zvino
Woenda ?
Uchamira mberi kwaShe
Kuimba rudo rwaJsesu,
Zvigadzire zvino
Woenda ?
Vazhinji vakatoenda,
‘She wangu, ndigadzire
Nhamo dzavo dzakapera,
Kuti ndimire mberi kwenyu.
Kune nzvimbo yavanoda,
Woenda ?
2. Ndagadzirei, zvino uno,
Ndimire mberi kwenyu,
Kuti ndisave nokutya,
Ndiri mberi kwenyu.
3. Ndishambidzei mwoyo, Ishe,
Ndiri mberi kwenyu,
Kuzvidza kwangu kubiswe,
Ndiri mberi kwenyu.
2. Tinoenda kuona ‘She,
Woenda ?
Tichakudza zita rake,
Woenda ?
Zuva harichazodoka,
Mwedzi hauchazodzima,
Kuchema kuchazopera,
Woenda ?
3. Tichafamba muchiedza
Woenda?
Kure norufu nerima,
Woenda?
Tichapfekedzwa ngundu ‘ko
Nenhowo yomukundiwo,
Kudenga kuno rufaro,
Woenda?
4. Nzira ‘yi iri pachena,
Woenda?
Wakafanira kudzoka
Woenda?
M’ponisi anodaidza;
Uya utore M’chinjikwa,
Nditevera, woponiswa,
Woenda ?
5. Ndoda kuti mumwe ati :
Ndoenda!
Muchenise nzira imi,
Ndoenda!
Sarai mose venyika,
Nemi handingamboenda,
NaJesu ndichazogara,
Ndoenda!
1. Tinoenda kunyika tsvene kudenga
Musha wavanofara, nzvimbo yaShe,
Varasiki vose munzira yokufa;
Munoda kuenda kudenga here?
Moenda? Moenda ?
(pamhidza)
Munoda kuenda kedenga here?
2. Mune iyo nyika hakuna kusuwa,
Munzvimbo yavanogara vatsvene;
Imi mune mwoyo inotambudzika,
Munoda kue nda kudenga here?
3. Vose vatsvene vagadzirirwa dzimba;
Vasati vadaidzwa naye, ‘She,
Misuo yedzimba inopenya kwazvo,
Munoda kuenda kudenga here?
4. Fambai mauto, iri mberi nyika,
Tichazoimba norufaro rwayo;
Tichasanganiswa mukupenya kwayo,
Tichanwa rufaro rwenyika iyoyo.
Toenda ! Toenda !
(pamhidza)
Hungu, toenda kudenga uko.
MUKURU
1. Wouya, wouya, mucheki mukuru,
Vanhu vachaona Ishe wokudenga;
Vanozogozomutswa vari kumakuva,
Kuti vaonekwe vose pakachena.
2.
Mucheki ndiJesu wakatambudzika
Kuti vaponiswe norudo rwaBaba
Avo vakamuda havachatongeswa
Nokuti vamire naIshe wedenga.
3.
Asi vasingadi kunzwa dama rake,
Rokuti vadzoke pane chakaipa,
Vakatozvikona pamberi pom’cheki
Vakatozvipinza mukutambudzika.
4.
Ngatidzoke tose mukuipa kwedu,
Tinzwe izwi rake, tinamate tose,
Ishe ari pano anotsvaka iwe,
Inguva nazvino, uya, ugam’chire
Open My Eyes, O Rock
1. Dombo, ndipe meso ndione
Pauzuru kudenga;
Ndioneko vanoutsvene,
Vanofara munaShe.
2. Zviya zvavaiva panyika
Vaichema misodzi;
Vaimanikwa nokuedzwa
Kusina kuzorora.
3. Ndakabvunza ivo vakundi ;
Rabvepi simba renyu?
Vakati : rabva kuna Iye
Wakatifira isu.
4. Vakaona rutsoka rwake
Rwananga kuupenyu;
Vakarondedza gwara rake,
Vazorora kudenga.
5. Ngaarumbidzwe M’tungamiri
Nomuratidzo wake;
Kusashaike muteveri
Panero gwara rake.
(MHB)
IMI VARWI VOM’CHINJIKWA
Ye Valiant Soldiers
1. Imi varwi voM’chinjikwa,
Imi munofara;
Kunyange tikatambudzwa,
Tosvika kudenga.
Ngundu yedu towana kum’soro,
Imi neni towana mubairo,
Towana m’bairo.
2. Tosiya zvinhu zvenyika,
Toona zvedenga;
Jesu anotisimbisa,
Kuti tigokunda.
3. Kana tasvika kudenga
Tichafara kwazvo;
Toona Jesu nehama
Towana mubairo.
1. Jerusarema rine
Mukaka nouchi,
Tichikurangarira
Tinogunguzika !
Handingazive, kwete,
Rufaro rwuriko;
Mubwinya kwakadaro
Kusotaurika.
2. Dzimba dzomuZioni
Dzofadza nenziyo;
Nengirozi dzopenya
Navatsvene vose;
NeGwayana ririmo,
Zuva richipenya,
Mafur o evatsvene
Anopenya kwazvo.
3.
Umambo hwaDhavhidhi
Hauchamboshushwa
Kufara kwavakundi
Voimba vachidya
Wavo vakakunda;
Narinhi vachapfeka
Hanzu dzavo chena.
4.
Isu tinotambura
Tiri mutariro;
Zioni ine mhare
Kurwa neBhabhironi
Asi tovimba naye,
Tichazomuona ;
Navo vanomuziva,
Vova vake chose.
5.
Vanomutungamiri;
1.
Kana warira mumhanzi waShe nguva
yopera.
Mambakwedza yovheneka narinhi,
Vakaponiswa pasi vachaungana kuDenga,
Mazita odaidzwa, ndichavepo.
Mazita achidaidzwa
(katatu)
Mazita achidaidzwa, ndovepo
2. Pazuva rokumuka kwavakafa muna
Kritsu,
Nokubwinya kwokumuka kwake ‘She
Vasarudzwa vake vachaungana kudenga
‘Ko.
Mazita odaidzwa, ndichavapo.
3. Ngatishandire Ishe dakara zuva radoka.
Tichiparidza nezve rudo rwake,
Kana basa redu, noupenyu hwedu
zvapera,
Mazita odaidzwa, tichavepo.
1. Kune nyika yakanaka,
Yopenya, yopenya!
Uko hakuna kuipa,
Yopenya, yopenya!
Kune nziyo dzokudenga
Nengirozi dziri uko,
Namarimba akanaka,
Yopenya, yopenya!
2. Hakuna makore uko,
Nyika yorufaro !
Hakuna misodzi uko,
Nyika yorufaro!
Vanonwa mvura yengoni,
Vachiona Muponisi,
Kune kupenya kwaari,
Nyika yorufaro!
3. Zvakaipa nezvikara
Hazviko, hazviko!
Rufu kana nokuora,
Hazviko, hazviko!
Vose variko vatsvene;
Asi vasakashambidzwa,
Navo vasakaponiswa,
Havako, havako!
1. Kune nzvimbo yezororo,
Pedyo kuna Mwari;
Nzvimbo isina chitema,
Pedyo kuna Mwari.
O!Jesu Mununuri,
Wakatumwa naShe;
Utisededze isu,
Pedyo kuna Mwari.
2. Kunzvimbo inonyaradza,
Pedyo kuna Mwari;
Patinosangana naShe,
Pedyo kuna Mwari.
3. Kune nzvimbo yezororo,
Pedyo kuna Mwari;
Kurufaro norugare,
Pedyo kuna Mwari.
4. Kunyange tiri vatadzi,
M’ponisi wakafa!
Nyangwe ngundu tisisina,
M’ponisi wakafa!
Tingashambidzwe mavara,
Tingagadzwe nokufara
Tingatonge m’nyika iyo,
M’ponisi wakafa.
I Saw A Great City
1. Ndakaona, guta guru,
Jerusarema idzva,
Richibva kudenga kunge
Mwenga mutsva pamuchato.
2. Norukova rwoupenyu,
Ruchiyerera ruchibva
Kuna Mwari, neGwayana,
Kuponisa ndudzi dzose.
3. Izwi rakashevedza , roti :
Hero guta rake, Ishe
Ravewo wavanhu musha,
Wavakanunurwa naShe.
4. Hakuchina rufu, kana,
Nedambudzo, nemisodzi,
Hakuchina nokurwadzwa,
Zvose zvose zvave zvitsva
5. Vakaropafadzwa zvavo
Vane mazita mabhuku,
Vachagara naShe wavo,
Dzamara kusingapere.
Who, Who Are These?
1. Ndavananiko pedyo norufu,
Mhiri kweguva rakanyarara,
Voshevedzera Jesu,
Vashambidzwa muropa?
Varikupinda muJerusarema’dzva
Vakashamba muropa
reGwayana
Varikupinda muJerusarema’dzva
Vakashamba muropa.
2. Ava ndivo, muupenyu hwavo,
Vakawana Jesu,Muponisi
Voziva ngoni dzake;
Vashambidzwa muropa.
3. Avo ndivo vakambotambudzwa,
Vawana rugare muna Jesu,
Rwoyerera mumwoyo,
Vashambidzwa muropa.
4. Avo ndivo, panguva yokurwa,
Vakamira vachirwa nesimba,
Jesu woti : uyai,
Mashambidzwa muropa.
I Have A Home That Is Brighter
1. Ndino musha unokunda yose,
Ndakaratidzwa nzira naIshe’
Kana ndakasuwa, ndichiedzwa,
Ndofunga nomusha uyo.
Kumusha kudenga hatichasiyana,
Tichafara, zvose zvichibwinya;
Hakuchave nhamo ne misodzi
Kumusha wangu uko.
2. Ndichaona ‘ko shamwari dzangu
Ndakasvika kunyika iyoyo;
Ndichafara nokuona Jesu,
Kumusha wangu uko.
3. Ndiani anofamba neni?
Jesu wakavafira vatadzi;
Uya kwaari, wakagadzira
Nzvimbo kumusha uko.
1. Tinosiya nyika,
Toenda kudenga
Nhano nenhano toenda,
(pamhidza)
Kunyika yeZion.
(pamhidza)
Toenda kuZion,
Kunyika yakanakisa,
Toenda nehondo kuZion
Kunyika yaMwari wedu.
2. Tichiona guta,
Nenziyo tichanzwa,
Dzavakundi vachiimba,
Nehondo ikoko.
3. Masuo mapamhi,
She wotungamira ,
Toimba dzoruponiso
Nziyo dzokukunda.
4. Pedyo norukova,
She wotungamira,
Toimba dzoruponiso
Nziyo dzokukunda.
5. Mureza womiswa,
Tofamba kukunda,
Hondo ichatungamirwa
Kunyika yeZion
1. Zion, guta raMwari,
Rinorumbidzwa kwazvo;
Uri guta rakavakwa
Neizwi rine idi.
Padombo wakavakirwa,
Ungazunguzwe nei?
Norusvingo wakakombwa
Woseka mhandu dzose.
2. Hona , hova dzoupenyu,
Dzotubuka murudo;
Dzichigutsa vana vako
Kutya kwose kwobisa
Ndianiko angaziye
Kana kufa nenyota?
Ngoni dzinopihwa naShe
Hadzigume narinhi.
3. Ishe, kana muZioni
Ndiri nhengo yeguta,
Nyika ngaiseke zvayo
Ndokurumbidza bedzi,
Zvinofadza zvinodzima,
Kudada nokuzvida;
Nezvibvuwo zvorufaro
Ndezve vana veZion.
XII
For Thee, O Dear, Dear Country
1. Kwauri nyika yangu,
Meso orindira;
Norudo votarisa,
Vofadzwa vochema,
Zita rako, humambo
Muzvipfuva zvedu:
Mushonga mukurwara
Rudo, noupenyu.
2. Ndowoyo chete musha,
Guta rorufaro!
Misodzi hakuchina,
Bedzi nyemwerero!
Kubwinya kwoM’chinjikwa
Naye muroverwi;
Vanopembedza ngoni,
Vanunurwi vaShe.
3. Hakuchisina gungwa,
Nguva, kana zuva!
Kana nekasipiti
Kavo vanofamba!
Padombo iri rekare
Vomisa nharire.
Chipembedzo chom’kundi,
Chipo choutsvene.
1. Nyika yechizvarwa chedu,
Tokupira simba redu
Pamakore tayaruka,
Sevarume nevakadzi.
2. Baba munodisa vose;
Inzwaiwo vana venyu;
Zera risina kuipa.
Nhaka isina kuipa.
3. Titakure joko redu
Muuduku nokutsunga;
Munguva yedu tipiwe
Idi rinovaka rudzi.
4. Tidzidzisei kuzvitonga ,
Usiku nemasikati;
Kuti tipire kwamuri
Zvibayiro zvakakwana.
5. Tidzidzisei kutarisa
Kwamuri, kwete kuhama;
Nemi tifambe munzira
Tisingatye voruzhinji.
6. Tidzidzisei simba renyu,
Risingakuvadze munhu
Kuti nemi tigopiwa
Simba kunyaradza vamwe.
7. Tidzidzisei kufarira
Rufaro rusina shungu;
Tigopa ruregerero
Norudo kuvanhu vose.
1. Simudzai mureza wedu weZimbabwe.
Yakazvarwa nomoto wechimurenga;
Neropa zhinji ramagamba,
Tiidzivirire kumhandu dzose;
Ngaikomborerwe nyika yeZimbabwe.
2. Tarisai Zimbabwe nyikaya
kashongedzwa
Namakomo nehova zvinoyevedza
Mvura ngainaye minda ipe mbesa
Vashandi vatuswe ruzhinji rugutswe
Ngaikomborerwe nyika yeZimbabwe.
3. Mwari ropafadza nyika yeZimbabwe:
Nyika yamadzitateguru edu tose;
kubva Zambezi kusvika Limpopo,
Navatungamiri vave nenduramo;
Ngaikomborerwe nyika yeZimbabwe.
8. Nyika yechizvarwa chedu,
Yakafira madzibaba;
Nyika yedu, tokupirai
Zvose, makore emberi.
1. Ishe komborerai Africa,
Ngaisimudzirwe zita rayo,
Inzwai miteuro yedu,
Ishe,komborera isu mhuri yayo.
Uya Mweya, (Uya Mweya komborera)
Uya Mweya, (Uya Mweya komborera)
Uya Mweya,uya Mweya woutsvene,
Utikomborere isu, mhuri yayo.
XIII
1. Ivai pakudya, Ishe,
Murumbidzwe kwese kwese;
Komborerai, tizodya
Nemi muParadhaisi.
2. Tokutendai nokudya,
Noupenyu, noutano;
Tigutsei noruoko,
Nokudya zuva nezuva.
3. Tokutendai nokudya ,
Kwamatipa nhasi uno;
Ipai mana kwatiri
Chingwa chinobva kudenga.
Stanza 2, altd
1. Mwari atisanganisezve
Murayirwe, mutsigirwe,
Sehwai dzedanga rake;
Mwari atisanganisezve.
Tisanganezve, tisangane
Patsoka dzaJesu Ishe
Tisanganezve, tisangane
Mwari atisanganise zve.
2. Mwari atisanganisezve,
Muvanzwe mumapapiro,
Mugutswe mazuva ose,
Mwari atisanganisezve.
3. Mwari atisanganisezve,
Kana mawirwa nenjodzi,
Mofungatwa muruoko;
Mwari atisanganisezve.
4. Mwari atisanganisezve,
Mufukidzwe rudo rwake,
Mugokunda kutya rufu,
Mwari atisanganisezve.
Jeremiah Eames Rankin
1. Rumbidzai Mwari wedenga,
Imi zvisikwa zvepasi;
Nokudenga, rumbidzai
Baba, Mwana, Mweya
M’tsvene.
Amen.
9. JESU, SHAMWARI YAVATADZI F
Jesu, shamwari yavatadzi,
Ndiye anoponisa;
Padutu rine hasha,
Ndiye shamwari yedu.
Jesu, uya kuneni,
Bisa mutoro kwandiri,
Rugare ruve neni,
Muponisi.
He Sought Me
Jesu wanditsvaka,
Ndakanga ndichidzungaira;
Jesu wandiwana,
Zuva rinoshamisa.
Kana waponiswa ,
Kana waponiswa;
Vatadzi vazhinji vachadzoka,
Kana waponiswa.
From Sinking Sand
Kubva mujecha rezvivi,
Wakandisimudza ini
Kuti ndione chiedza,
Wakandibvisa murima.
KUM’CHINJIKWA NDOUYA
KuM’chinjikwa ndouya,
Ichiriko nzvimbo
Kwandiri ndisakakodzera;
O bisai zvakaipa,
Ndisimbise, Ishe,
Kuti ndigokuteverai
Into My Heart
Mumwoyo, mwoyo
wangu,
Pindai mauri, ‘She Jesu;
Pindai nhasi,mugaremo,
Pindai mumwoyo, ‘She Jesu.
Munhu wose ngaade Jesu, Jesu, Jesu;
Wakafira iwe, neni,
Munhu wose
ngaade Jesu.
When I Remember That He Died For Me
Kana ndichifunga wakandifira,
Handichadzokere shure, (dzokorora)
Kwete, kwete, kwete, kwete,
Handichadzokere shure. (dzokorora)
Follow Thou Me
Nditevere, anoshe’dza,
Ndinokuitai vabvuvi,
Kufanana paGararia,
Jesu anotishevedza.
Ndiyeuke, ndiyeuke,
Ishe,ndiyeuke;
Yeuka kurwadziwa kwako,
Neni ndiyeuke.
Hide Me, Saviour
Ndivanze, ndivanze
Jesu M’ponisi, ndivanze,
M’ponisi, ndichengetei,
Mauri ngandivanzwe.
I Will Make You Fishers Of Men
Ndokuitai vabvuvi vavanhu,
Vabvuvi vavanhu, vabvuvi vavanhu.
Ndokuitai vabvuvi vavanhu
Mukanditevera.
Mukanditevera, mukanditevera,
Ndokuitai vabvuvi vavanhu,
Mukanditevera
.
Pakarivhari, pakarivhari,
Wakafa nom’towo wangu;
Pamuti weKarivhari.
Ropa raJesu
Rinoshambidza ,
Uyai kutsime’ro
Muponiswe.
O, The Love Of Jesus
Rudo, Rudo,
Rudo rwake Jesu,
Rwabvirisa mwoyo wangu,
Rudo rwake Jesu.
Tarisa, tarisa,
Mutarise Jesu;
Siya zvose zvenyika,
Utarise Jesu.
Taura, Ishe, kwandiri,
Taura, Ishe, kwandiri;
Ndichipfugama kwauri,
Taura, Ishe, kwandiri.
Taura zve, ‘She,
Kuti ndikunzwewo
Ndoterera kwauri,
Taura zve, ‘She.
O Come To My Heart
Uyai mumwoyo wangu, Jesu,
Mune nzvimbo yenyu mandiri;
Uyai mumwoyo wangu, ‘She , zvino,
Kwamuri ndinopa nzvimbo.
Come, Ye Who Go With Us
Uyai, vanoenda nesu
Uyai, vanoenda nesu
Uyai , vanoenda nesu
Kundogara kudenga.
When He Calls Me
Wandidana, ndodaira
Wandidana, ndodaira
Wandidana, ndodaira
Ndinoshanda, shandira Mwari.
Ndinoshanda , shanda, shanda shanda
Shanda,shanda shanda, shandira Mwari,
Ndinoshanda,shanda shanda shanda,
Shanda, shanda shanda, shandira
Mwari.
Zarura mwoyo kuna ‘She
Wamadzishe,
Mubvumidze kuunza runyararo,
Wokuchengeta mumaoko ake;
Zarura mwoyo kuna ‘She wamadzishe.
II
Holiness
Dzikamai, ndiri Mwari,
Teererai, ndiri
Mwari,
Dzikamai, ndiri Mwari.
Breathe Upon Me
Femai pam’soro pangu,
Ndiitei ndive wenyu,
Norudo rwenyu kwandiri,
Ndiitei ndikwanire.
It’s No Longer I That Liveth
Handizviraramire, Jesu ari mandiri
Handizviraramire, Jesu ari mandiri
Mandiri,mandiri, Jesu ari mandiri;
Handizviraramire, Jesu ari mandiri.
What A Great Day!
Izuva guru sei randakazvarwa patsva! x4
Ndovimba ndonamata, ndotenda ‘She wangu x 3
Izuva guru sei randazvarwa patsva!
Jesu M’ponisi,
Ndochema zvino,
Tuma Mweya kwandiri,
Tuma Mweya Mutsvene.
Kuda kwaShe
Ngakuitwe,
Kuti kuve kuda kwangu;
Kuda kwaMwari,
Ngandikuite
Nhasi namazuva ose.
Kuonekwe kunaka kwaShe, Jesu
Pamugariro wangu noutsvene;
Iwe, Mweya waShe, ugondimutsawo,
Kuonekwe kunaka kwaShe, Jesu.
Mandiri, She wangu,
Zadzisai kuda kwenyu
Zadzisai kuda kwenyu (pamhidza)
Mweya waShe mupenyu,
Uri waShe mupenyu,
Uya kwandiri,
Ndiumbe, ndizadzwe newe,
Mweya waShe mupenyu
Uya kwandiri.
Ndashambidzwa naJesu ndichakunda zuva,
Ndokunda zuva x 2
Ndashambidzwa naJesu ndichikunda zuva
Ndoenda kudenga.
I Want To Live Right
Ndinoda kuve wakarurama,
Nguva dzose, kwese kwese;
Ndinoda kuve wakarurama,
Ndishandiswe nguva dzose.
All My Heart I Give Thee
Ndinopira mwoyo
Kwamuri, ‘She wangu;
Ndopira upenyu
Kutsvaka vanhu.
I Am Thine, O Lord
Ndiri wenyu, Ishe wangu,
Ndokuteverai moga,
Muponisi muri wangu,
Muyamuri, mudiwa.
Nditore kuKarivhari
Nditore kuKarivhari
Nditore kumvura youpenyu;
Ndanzwa izwi raJesu,
Ndaona ropa rake,
Nditore kuKarivhari
KuKarivhari.
Ndiumbe, ‘She, mumaoko enyu,
Somuumbi munyakwe wake;
Ngandigadzirirwe basa renyu.
Nditsvenesei, mundishandisewo.
Silently , Now I Wait For Thee
Ndogarira Ishe wangu,
Ndoda kunzwa kuda kwako;
Vhenekera nzira yangu,
Mweya M’tsvene.
I SurrenderAll
Ndopira zvose, ndopira zvose;
Zvose kwamuri M’ponisi,
Ndopira zvose.
I Am Coming, Lord
Ndouya Ishe,
Kwamuri zvino;
Shambidza mwoyo wangu
Nero ropa rako.
Yesterday, Today , Forever
Nezuro, nhasi, narinhi,
Haapinduke;
Tingapinduke, ‘She, kwete,
Ngaarumbidzwe.
Patsoka dzenyu,
Ndopira zvose;
Kunyangwe ndorwadzwa,
Ndofira ‘She wangu.
Tumai moto kwandiri, Ishe,
Tumai moto worudo,
Tumai moto ubve kudenga,
Tumai moto kwandiri.
Mwari, ndipeiwo mafuta,
Mwoyo wangu ugare uchipisa;
Mwari, ndipeiwo mafuta,
Mwoyo wangu ugare uchipisa;
Mwari, ndipeiwo mafuta,
Mwoyo wangu ugare uchipisa;
Ugare uchipisa, dakara Jesu azouya.
Holy Spirit, Rule Over Me
Mweya mutsvene nditonge,
Mweya mutsvene nditonge
Kuti ndive mutsvene.
Vanofamba mumweya,
Vanofamba mumweya,
Ndivo vana vaMwari.
III
Prayer
Take All My Sins Away
Bisai zvivi zvangu,
Bisai zvivi zvangu;
Gwayana raShe,
Ndouya.
Bvunza M’ponisi zvino
Kuti akuyamure,
Anoda kukuyamura,
Angakutsvitse.
Ishe, ndidzidzisei
Nzira yom’teuro;
Zvandoshaya handizive,
Ndidzidzisei zvino.
Ishe, ndinouya,
Ishe, ndinouya;
Ndishambidzei muropa,
Ndive m’chena ngwee.
Ishe, tichengetei
Kuti tisambotya,
Kana tarara usiku,
Kusvika kwayedza.
Ndapfugama mberi kwenyu
Ndichisimbiswa nemi’
Ndikudei, ndikushandire
Nguva nemisi yose.
Ndidzidzisei zvino
Kuti ndikudei;
Ndiyamure zvakare
Nokuteura,
Kuti ndikushandirei
Musi nomusi.
I Believe Jesus Answers Prayer
Ndinotenda kuti ‘ She , Jesu
Anopindura miteuro;
Ndinovimba naye nokuti
Wakandinzwa kare.
Ndinzwei, Ishe, zvino
Ndinzwei, Ishe , zvino;
Ndochema kwamuri, Ishe,
Ndinzwei, Ishe , zvino
Hear Me, Hear Me
Ndinzwei; ndinzwei,
Ndinzwei M’ponisi zvino
Zvandiri kunamata,
Ndinzwei , M’ponisi zvino
Give Me A Heart Like Thine
Ndipei mwoyo sewenyu,
Ndipei mwoyo sewenyu,
Nawo masimba enyu;
Naidzo tsitsi dzenyu
Ndipei mwoyo sewenyu.
Save Me Now
Ndiponesei zvino,
Ndiponesei zvino;
Jesu Kristu mandifira,
Ndiponesei zvino.
Strengthen Me Now
Ndisimbisei zvino,
Ndisimbisei zvino,
Handina simba pachangu,
Ndisimbisei zvino.
Help Me Now
Ndiyamurei zvino,
Ndiyamurei zvino;
Jesu Kristu; ndiri wenyu,
Ndiyamurei zvino.
Remember Me, A Sinner
Ndiyeuke, ini m’tadzi ,
Muumambo hwenyu,
Ndinodaro mberi kwenyu
Ndiyeukei , Ishe.
Remember Me, O Mighty One
Ndiyeuke, Samasimba,
Ndiyeuke, Samasimba.
For You I Am Praying
Ndokuteurira,
Mutadzi, dzokera
Kuti uponiswe
NaJesu, Ishe.
Ndotsvaga imi moga,
Mwoyo wangu wokushuwai;
Nditarirei Jesu,
Ndinyaradzei.
Ngoni dzaShe, dzakanaka,
Idzo dzakandiponisa;
Ini ndichadziparidza,
Ngoni, ngoni, ngoni dzaShe
.
Only A Step
Nhanho chete, nhanho chete
Anokumirira;
Chiuya uchibvuma
Nezvakaipa zvako,
Achakukomborera
Uya , uya zvino.
Love That Never Changes
Rutendo rusingapinduke,
Pakati pavavengi;
Kana takombwa nehondo,
Rutendo rusingapinduke.
Saviour, Dear Saviour
Sederai neni, M’ponisi,
Ndozvipfavisa paMuchinjikwa;
Ndizivise kuda kwenyu,
Ndinokutevera, Ishe.
Tarirai kuna Jesu,
Tarirai chiso chaShe;
Zviyedzo zvose zvenyika
Zvichasvika pachiedza chake.
5
O Speal A While Before Me
Taurai, taura
Ndichikunamatai;
Onesaiwo chinhu chamunoda,
Mwoyo wangu uchaterera.
6
Tikomborere, Ishe Jesu,
Tikomborere mumwoyo yedu,
Mufambe nesu mazuva ose,
Tikomborere M’ponisi wedu.
7
TSITSI DZASHE DZAKANAKA Bb
Ngoni dzaShe, dzakanaka,
Idzo dzakandiponisa,
Ini ndichadziparidza,
Ngoni, ngoni, ngoni dzaShe.
8
Thou Art Enough For Me
Wakwanira ini,
Wakwanira ini;
Ishe wangu unodiwa,
Wakwanira ini.
Mauto aungana, ngariuye
Simba tigare naro.
Baba,tinorikoka, simba tigare naro;
Baba, tinorikoka, simba tigare naro,
Baba, kwose kwatinonda tigare naro.
Simba rokunamata ngariuye,
Simba tigare naro,
Baba, tinorikoka, simba, tigare naro;
Baba, tinorikoka, simba tigare naro;
Baba, kwose kwatinoenda tigare naro.
Mwari anotsvaka anomunamata
Mumweya nomuzvokwadi (vamwe) :
Mumweya nomuzvokwadi. (dzokorora)
Mumweya , mumweya nomuzvokwadi. (vamwe
)
Mumweya nomuzvokwadi. (dzokorora)
Ndinamatire ndigokunamatirawo,
Ndinamatire ndigokunamatirawo,
Ndainamatire ndigokunamatirawo,
Seiko usingandinamatirewo?
Dzimwe nguva mutoro wacho unorema;
Dzimwe nguva mutoro wacho unorema;
Dzimwe nguva mutoro wacho unorema;
Seikousingandinamatirewo?
Ask Yourself Whereever You Are
Zvibvunze paugere ipapo.
Zororo ndere vatsvene,
Kana ukafa, unoendepiko?
Zororo ndere vatsvene.
IV
He Can Break Every Fetter
Angasunungure,
Angasunungure,
Angasunungure,
Mutende zvino.
Take Care Where You Walk
Chenjerai, chenjerai,
Muna iyo nzira
Yamunofambanayo.
Chenjerai, chenjerai,
Munganyure pakufa,
Chenjerai.
Famba naJesu,
Mazuva ose, munzira dzose;
Famba naJesu,
Famba naJesu woga.
Izwi rakanakisa,
Munzeve rinofadza,
Mweya unofarisa,
Jesu anotaura.
Jesu, ndiye hama, zve, anoshamisa,
Jesu anoshamisa sei!
Vanhu vangazive, Jesu wakavafira.
Jesu anoshamisa.
Fellowship With Thee
Kuwadzana nemi,
Kuwadzana nemi,
Ngandiwadzane nemi
‘She, nguva dzose.
Mamuri, ‘She, ndinovimba
Mamuri, ;She ndinovimba
Mamuri, ‘She ndinovimba.
Stand By Me
Mirai neni, mirai neni,
Muponisi mirai neni,
Handina masimba okumira pachangu,
Muponisi mirai neni.
Mwari anesu, Mwari anesu
Rudo rwake rune simba;
Tichifamba kana takagara,
Rudo rwaJesu runesu.
I Know He Cares For Me
Mwari anondichengeta,
Mwari anondichengeta,
Ndovimba naBaba wangu
Anozondichengeta.
Naye, naye, ndofamba naJesu,
Pane dzose nzira ndofamba naye;
Naye, naye, ndofamba naJesu,
Dakara ndife ndomutevera Jesu.
Eb
IWill Follow Thee , My Saviour
Ndicha kuteverai, Jesu,
Makafira mhosva yangu;
Kana nyika yokuzvidza,
Ndichakuteverai bedzi.
I Believe In The Word Of God
Ndinotenda Izwi raMwari,
Ndinotenda Izwi raMwari,
Zvivimbiso zvose ndezvangu, chokwadi;
Ndinotenda Izwi raMwari.
I Am So Glad That Jesus Loves Me
Ndinofara Jesu wandida,
Anondida, anondida;
Ndinofara Jesu andida,
Ini anondida.
I Thank My Master
Ndinotenda Tenzi wangu,
Ndotenda mandiponisa;
Ndinotenda munondipa
Ruponiso rukurukuru.
Lest I Forget Getsemane
Ndiyeuke Getsemane;
Norudo rwaShe kwandiri,
Ndiyeuke Getsemane,
Kurwadzwa kwaJesu.
I’LL Follow Thee Of Life The Giver
Ndokuteverai Muponisi,
Makatambudzwa nomu’towo wangu;
Ini, handichazokusiyai,
Ndokuteverayo bedzi.
All I Have I Am Bringing
Ndouya nazvo zvose zvangu,
Ndouya nazvo zvose zvangu,
Ndichikutevera, kunyange munhamo.
M’ponisi, ndokutevera.
O For Deeper
Ngandikutende,
Ndivimbe newe;
Ruvimbo ruve
Rwakadzama,
Rwakadzama.
Ramba uri munhanho,
Ramba uri munhanho,
Usazorore zvishoma,
Tevera Jesu nguva dzose,
Ramba uri munhanho,
Uchawana nzira yareruka,
Ukaramba uri munhanho.
Muchamuchengeta murugare,
Muchamuchengeta murugare,
Muchamuchengeta murugare,
Anovimba nemi.
Vimba naye netsitsi dzake,
Vimba naye norudo rwakwe,
Vimba naye Mwari wedenda,
Uvimbe noMponisi.
He will Keep You From Falling
Wokugamha mukuwa,
Achakuchengeta;
Jesu anoponisa,
Zvakare , ihama.
He Who Gives, Shall Be Given
Anopa achapihwa,
Anopa achapihwa,
Anopa achapihwa.
Kudenga naBaba.
I’LL Labour For You, My God
Ndichakushandirai panyika,
Ndichiripo panyika,
Ndichiripo panyika;
Ndichakushandirai Mwari,
Ndichiripo panyika,
Ndichakushandirai ndiripo.
(Bass: shandira , shandira , shandira)
V
Count Your Blessings
Averenge makomborero,
Averenge rimwe nerimwe,
Averenge makomborero,
Uchashamiswa nezviito zvaShe.
Running Over
Fashukira, fashukira,
Mukombe wangu zara, fashukira,
Ndiye Jesu M’ponisi
Anondifadzisa;
Mukombe wangu zara, fashukira.
I Am Not Ashamed To Walk With Jesus
Handinyare kufamba naJesu,
Shamwari yakanaka,
Handinyare kufamba naJesu,
Shamwari yakanaka.
Hallelu, Hallelu,Hallelu, Halleluyah
Hareru, hareru, hareru, hareruya
Rumbidza ‘She
(dzokorora pamavambo)
Hareruya, rumbidza ‘She , hareruya
Hareruya, rumbidza ‘She hareruya
Hareruya rumbidza ‘She hareruya
Hareruya rumbidza ‘She.
Nay, But I Yield
Hungu, ndinobvuma,
Handichazoramba,
Rudo rwake hungu ndinobvuma
Jesu,ndotevera.
Hungu ndinomutenda
O,Mwari wakanaka,
Hareruya O, Mwari wakanaka,
Hareruya O , Mwari wakanaka,
Mwari wakanaka kwandiri.
Inyaya yangu, rumbo rwangu,
Ndichimukudza Jesu wangu,
Inyaya yangu rumbo rwangu,
Ndichimukudza Jesu wangu.
ISHE M’PENYU Ab
Ishe, m’penyu,
Kristu m’penyu nhasi,
Neni iye anofamba
Murwendo rwoupenyu.
Ishe m’penyu,
Kupa ruponiso.
Ndinoziva izvi sei?
Mupenyu mandiri.
Ishe, zvandinoshaya,
Mungandipe zvino;
Ndinouya, unomira
Kundipawo zvino.
Jesu anondifadzisa,
Kana ndichigara naye;
Mweya wangu uzere norudo rwake,
Jesu achigara neni.
Jesu ari pano,
Musamukanganwe;
Shamwari yakanaka,
Anotitungamira.
Jesu angauye nhasi,
Angauye masikati,
Zvimwe pakati pousiku,
Wazvigadzirira here?
Jesu, Jesu, Jesu,
Zita guru sei!
Rinopedza shungu,
Rinondifadza sei!
Jesu Zita Rake
Rakanakisa,
Rinondifadzisa,
Ndofamba ndichiimba.
G
When I Remember
Kana ndichifunga Jesu wandifira,
Handichadzokera shure.(Dzokorora)
Kwete,kwete,kwete.
Handichadzokera shure.
King Words Will Never Die
Mazwi akanaka,
Haafe,haafe;
Mazwi akanaka,
Haangafe.
Mbiri kuna Jesu;
Mbiri kuna Jesu;
Paridzai rununuro,
Mupe mbiri kuna Jesu.
Mumwoyo nhasi,
Ndiri kuimba mumwoyo wangu;
Mutoro wezvakaipa wakabiswa,
Ndiri kuimba mumwoyo wangu.
KUIMBA Bb
Mumwoyo wangu ndoimba,
Nokuti wakandida,
Akandiregerera,
Nokuti wakandida.
Mutoro wake wakareruka,
Ndinoziva, hauremi;
Anonditungamirira
Kumvura youpenyu.
Mwari, ndovimba nemi,
Kunyange pandinenge ndiri ndoga;
Kana panhamo, ndovimba nemi,
Kana pandinenge ndiri ndoga.
I Hav Decided To Follow Jesus
Ndakasarudza kutevera Jesu,x3
Handichadzokera shure,
Handichadzokera shure,
Jesu pamberi, zvenyika shure. x3
Handichadzokera shure,
Handichadzokera shure,
I Am Set Free
Ndakasunungurwa,
Tendai ‘She;
Ndakasunungurwa,
Tendai ;She,
Ndakasunungwa
Nemasoja asatani;
Ndasunungurwa,
Tendai ‘She.
SHE Eb
I’ve Got The Joy
Ndinofara, fara, fara,fara
Mumwoyo wangu,
Mumwoyo wangu,
Mumwoyo wangu,
Ndinofara, fara, fara, fara
Mumwoyo wangu,
Ngaatendwe Ishe,
O, How I Love Jesus
Ndinomuda Jesu, (katatu)
Sezvo wakandida.
I Love Him Better Every Day
Ndinomuda misi yose,
Ndinomuda misi yose,
Pedyo naye ndogarapo,
Ndinomuda misi yose.
Ndinomuda muponisi ,
Ndinomuda ndodaro,
Ndinomuda wandifira,
Jesu anondidawo.
O, How I Love The Saviour’s Name
Ndinorida zita raJesu,
Ndinorida zita raJesu,
Ndinorida zita raJesu,
Zita roM’ponisi.
I Have Joy In My Heart
Ndine rufaro mumwoyo,
Ndine rufaro mumwoyo,
Ndashambidzwa neropa raJesu,
Ndine rufaro mumwoyo.
Ndiyeyu Jesu
Wakandinatsa,
Wakandiponisa,
Ndakange ndafa.
Nokuvhenekera kwezuva,
Anoparadza mimvuri;
Mutsi wemvura wakanakisa,
Unoiparadza mvura.
Rudo rwaJesu rukuru,
Rudo kuneni mutadzi,
Wakafa paMuchinjikwa
Kuti Ndiponiswe.
Pam’soro pose pane izwi,
Ngaatendwe, ngaatendwe
Pam’soro pose pane izwi
Jesu anoruramisa.
Wonderful Love
Rudo rwake runondishamisa,
Runouya kubva kudenga;
Rwondizadzisa mumwoyo mangu,
Rudo runoshamisa.
RUNONDISHAMISA Ab
O, the Love That Sought Me
Mine, Mine, Mine
Jesu vanditsvaga
Ropa randitenga,
Ngoni dzaShe dzinoshamisa,
Dzanditenhera mudanga.
‘She, ‘She,’She;
Uri wangu, ‘She;
Ndinoziva kuti
Uri wangu,’ she
JESU VANDITSVAGA Ab
‘SHE, ‘SHE,’ SHE
Tinotakura M’chinjikwa,
Tichiripo panyika,
Kana tafa tinogara
NaJesu Kudenga.
TIKATAKURA M’CHINJIKWA Bb
Can You Wonder
Ungashame, ungashame,
Ungashame seiko ndichimuda?
Kana ndafungidzira zvaakandiitira
Ungashame seiko ndichimuda?
UNGASHAME Bb
Rolled Away, Rolled Away
Wabiswa, wabiswa, wabiswa
Mutoro wezvivi, wabiswa,
Zvivi zvose zvapera,
Ndatsveniswa
wabiswa, wabiswa, wabiswa,
Mutoro wezvivi wabiswa.
WABISWA, WABISWA Bb
He’s Going With Me
Woenda neni, haandisiye,
Woenda neni, handisi ndoga;
Woenda neni, murwendo rwangu,
Anonditungamira ini.
WOENDA NENI Bb
Zvivimbiso zvaMwari wedu,
Zvavimbiso zvine chokwadi,
Hareruya, kuna VaKristu!
Zvivimbiso zvose zvakanakisa.
ZVIVIMBISO ZVAMWARI WEDU Eb
Danga rehwai dzenyu Mamba
Danga rekunamata.
Danga rehwai, danga rehwai,
Danga rehwai, danga rehwai.
Danga rehwai dzenyu Mambo,
Danga ravanotenda.
Danga rehwai, danga rehwai,
Danga rehwai, danga rehwai.
Makanaka Mambo Jesu,
Makanaka Mambo Jesu,
O, makanaka, O, Mambo Jesu,
O, makanaka, Mambo Jesu.
MAKANAKA, MAMBO JESU Bb
How Righteous You Are, Almighty
Makanaka , Mwari wamasimba,
makanaka.
Makanaka, Mwari wamasimba,
makanaka.
Tinaye Mwari wezvishamiso,
Tinaye Mwari wezvishamiso.
Tinaye Mwari weminana
Tinaye Mwari wezvishamiso
Tinomurumbidza, x3
Ishe wamadzishe.
Hakuna mumwezve akafanana naye,x3
Ishe wamasimba.
Tinotenda (tenda), Mambo Jesu
Tinotenda Mambo Jesu (Dzokorora)
O, tinotenda, Mambo Jesu,
O, tinotenda, Mambo Jesu.
Tinotenda, Mwari wamasimba,
tinotenda.
Tinotenda, Mwari wamasimba,
tinotenda.
VI
Endai,endai muwane rufaro,
Imi mose mauto aJesu;
Paridzai musingatye
dama reVhangeri;
Simbai mose muti ngwii.
ENDAI, ENDAI Ab
March Onwards
Endai,endai muwane rufaro,
Imi mose mauto aJesu;
Paridzai musingatye
dama reVhangeri;
Simbai mose muti ngwii.
Fambai mose norutendo,
Rutendo rwokunda;
Fambai mose norutendo,
Nyika ive yaJesu.
FAMBAI MOSE NORUTENDO Bb
Hondo yoRuponiso,
Hondo yaMwari,
Inofamba ichikunda
Nomoto neropa;
Inofamba ichikunda
Nomoto neropa.
Mureza uchapepera
Pam’soro, kusvika tafa;
Neropa nomoto kwese,
Tichakunda, tichakunda.
Ndakasarudzwa naShe,
Ndive murwi.
Ndakasarudzwa naShe.
Muponisi.
Kuti vagoponiswa
Vamwe vanhu.
Kuti ndive murwi
Mutsungi weHondo.
I Have A Saviour
Ndine Muponisi ane simba
Rokundichengeta misi yose;
Ndine Muponisi ane simba
kugarondichengeta .
Simba renyu, simba renyu,
Jesu muchandipa
Simba rizere zvino.
SIMBA RENYU Bb
Simutsira mureza weHondo,
Weropa nomoto;
Simutsira mureza weHondo,
Woudza zvoruponiso.
SIMUTSIRA MUREZA Eb
Tichazosimudzira
Mureza pam’soro, hareruya
Ticharwira pasi pawo,
Kudzamara kufa kwedu.
TICHAZOSIMUTSIRA MUREZA Bb
Tinofamba kuunza rufaro,
Mukurwa towana ruponiso,
Ticharumbidza Ishe
Mhiri kwose kwegungwa,
Nenzira yedu kudenga.
TINOFAMBA KUUNZA RUFARO Bb
Tiri Hondo ichakunda,
Tinotsvaka vatadzi,
vaunzwe kuna Mwari,
Noruponiso kundudzi dzose,
Tichakunda nomoto neropa.
Win Another
Wana mumwe, wana mumwe,
Rufaro runoshamisa,
Wowana nokumutsvaka;
wana mumwe, wana mumwe,
Wanira mumwe nzvimbo neropa.
Hondo yadzo ngirozi,
Hondo yadzo ngirozi.
Dzinorwira vatsvene.
Tinaro basa rokuti tiite
Tinaro basa rokuti tiite;
Tose tose tinaro basa rokuti tiite;
Tinaro basa rokuti tiite.
Heaven
Achandipa mubairo, (pambidza)
Sokubuda kwezuva ose;
Ishe, ane chipo muchanza,
Achandipa mubairo, hareruya!
Achandipa mubairo.
FAMBA NENI,M’PONISI F
Famba neni, M’ponisi
Famba neni M’ponisi
Murwendo rwangu kudenga
Famba neni Mponisi
HAKUNA NZVIMBO Bb
Hakuna nzvimbo,
Hakuna nzvimbo,
Hakuna nzvimbo kudenga
Hakuna nzvimbo yavakaipa
Hakuna nzvimbo kudenga
Iriko nzvimbo,
Iriko nzvimbo kudenga
Iriko nzvimbo yavakanaka,
Iriko nzvimbo kudenga.
Jesu anouya mumakore,
Jesu anouya namasimba,
Jesu anouya mumakore
Chenjera ungasare (Ini handimbosara)
Mune zita risimo mutsamba (katatu)
Ko, rako riripi?
Rakanyorwa rikadzimwa mutsamba ( katatu)
Ko, rako riripi?
Uya zvino unyorwe mutsamba (katatu)
Mwari anodana
Some Day I shall be like him
Ndichazova saiye , rimwe zuva
Ndave chisikwa chedenga
Pauso hwake;
Ndichazova saiye,
Rimwe zuva
Hareruya, Ishoko rake rinoshamisa
I Shall Know Him
Ndomuziva, ,ndomuziva ,
Kana ndasvikako kudenga
Ndomuziva, ndomuziva,
Namavanga mumaoko ake .
Tichamuona Ishe , (Katatu)
Pachigaro chake.
Vofanana nejecha regungwa,
Fanana nejecha rehombekombe;
Tarisa zvihuru zvegovero raJesu
Zvofanana nejecha regungwa.
Heavenly Sunshine
Zuva redenga zuva raMwari,
Rinozadzisa mwoyowangu;
Zuva redenga zuva raMwari,
Ngaatendwe, Jesu wangu
He will Come Again
Anouya , anouya
Tichamuona norufaro;
Zvimwe nhasi; hatizive
Ishe wedu anouya .
Apo mambo wouya kuzotitonga
Tichamira sei, apo Mambo wouya
Be Prepared Always
Garai makagadzirira,
Hamuzive musi nenguva
Mwanakomana wo munhu anouya
Kuzotora vapenyu navakafa
Ikoko kudenga,(katatu)
Jesu tondomuona.
THE Lord Jesus ,Spoke
Mambo Jesu,akataura ,
Ave kuenda :
Asi basa Ndasiya ndapedza .
Mazambara ariko,
Anorunyararo;
Rudo rwa Jesu rwatisanganisa.(pamhidza)
Mumaoko a Mwari, (pamhidza)
Handizotyi ndakachengetedzwa
Mumaoko a Mwari
Musha wangu,
Uri kudenga ,
Musha mutsvene,
Musha wangu
I’m Searching For The Rock
Ndinotsvaka Dombo
Rokukwira kudenga . (dzokorora)
Ndariwana Dombo
Rokukwira kudenga,(dzokorora)
Be Quiet,Stop Weeping
Nyararisa usacheme,
Ndijehovha anokunyaradza
We ‘ll Sing Hossannas
Tichaonaimba hosanna, (pamhidza)
Pakutenderera pachigaro chaMambo
Tichanoimba hosanna.
Believers, Be Determined
Vatendi,(vatendi) ngatitsunge mwoyo,(pamhidza)
Dzamara (dzamara) taenda kudenga, (pamhidza)
Vatendi, (vatendi), vakatsunga mwoyo (pamhidza)
Dzamara (dzamara)tasvika kudenga.