1. Shanda, upedzwe masimba
Kuita chido chaBaba;
Nzira yakafamba Tenzi,
Iwe muranda, fambawo.
2. Shandaka, kwete, zvenhando,
Wako mugove, idenga;
Kusapembedzwa, zvinei,
Uchapembedzwa naTenzi.
3. Shanda pano zvikwanire,
Ishe achakupembedza;
Mwoyo wako, uchafadzwa;
Basa harive renhando.
4. Shanda zuva richipenya,
Rima rosvika usiku;
Kasika kurasa nungo,
Ndonzira kuwana Mweya.
5. Vanhu vanofa murima
Guva roshaya tariro;
Vheneka chiyedza kwese,
Chiedza munhamo tsvuku.
6. Shanda, rinda nom’teuro,
Ngwarira kuwana vanhu;
Enda munzira dzenyika,
Uya navadzungairi.