Ngaripfugamirwe
Zita raJesu:
Ndimi dzose dziti;
Mambo wedenga.
Zvinofadza Baba
Kumuti Ishe,
Kubva kumavambo
Waive Izwi.
1.
Zvose zvakavepo
Neizwi rake;
Nengirozi dzose;
Umambo nesimba,
Kana nyenyedzi;
Zvose zvokudenga
Uzhinji hwazvo
Nazvino ndiye.
2.
Wakaninipiswa
Kwechinguvana,
Naivo vatadzi
Vaakavinga.
Wakazvitakura
Asina vara;
Akave mukundi
kukunda rufu.
3.
Wakakunda zvose,
Zvose zvounhu,
Kumarudzi ose
Nesimba rawo,
Kusvika chigaro
ChaMwari Baba
Achizadzisa
Norurumbidzo
4.
Mumwoyo mugadze
Kuti akunde
Zvose zvakan’ora,
Zvisina idi.
Mugadze segamba
Nomuyedzo;
Naye ufungatwe
Uchaniswe naye.
5.