Salvation Army Hymn 84

O Com, And Look Awhile
Uyai muone Iye
M’ponisi wakatifira;
Ngatitarise, ticheme,
Jesu anorovererwa .
1.
Zvanza netsoka zvasungwa;
Muromo wake waoma;
Maziso ake adzima;
Jesu anorovererwa.
2.
Toramba kumunzwa here?
Tingamuseke Mutsvene?
Watakura mhosva dzedu,
Jesu anorovererwa.
3.
Tinovimba noM’chinjikwa;
Tsime rerutivi rwake
Rinoshambidzika kuipa;
Jesu anorovererwa.
4.
Rudo rwaMwari nezvivi,
Zvino zviri kurwisana;
Asi rudo ruchakunda,
Nokuti ‘She watifira.
5.
Vanokumbira vopiwa
Mwoyo wakapfava chose;
Mumwoyowo wakapfava,
Anogaramo Jesu, ‘She.
6.
Frederick William Faber

WAONA MUROVERWA?

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.