Salvation Army Hymn 12

Ngatitendei Mwari
Nemwoyo yedu yose;
Anezvishamiso
Zvinoifadza nyika;
Kubva pauduku,
Watikomborera,
Nezvipo zverudo
Ndezvedu narinhi.
1.
Upfumi hwaMwari
Ngahuve pedyo nesu;
Mwoyo ifadziswe,
Norugare kwatiri;
Tigare mungoni,
Dzititungamire,
Dzitisunungure
Pano nokudenga
2.

Ngaatendwe Mwari,
Ngaarumbidzwe Baba,
NoMwanakomana,
Naye Mweya Mutsvene;
Mwana mumwechete,
Wepasi nedenga,
Waive, achave,
Nokusingapere.
3.
Being My Tongue, Some Heavenly Theme

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.