4. Vanhu vanoshaya mwenje waMwari,
Ndiyamurei kutora dama kwavari,
Simba rasatani, richakundika,
Mugadzwe Ishe wavose panyika.
KRITSU,’SHE, WORUGARE
1.
Kritsu ’She, worugare,
Ndipei hwenyu upenyu;
Kwandiri huratidzwe
Upenyu hwenyu chete.
Garai neni, vaone
Kritsu ari mandiri.
2.
Pindurai chido changu,
Nditsvenisei nomoto;
Poresai zvinorwadza
Ndifemerei upenyu;
Ndizadzei zvino kuti
Kritsu ave mandiri.
3.
Ndipei ngoni dzenyu, Ishe
Kununura vatadzi;
Upenyu tungamirai,
Zvinyoronyoro zvose;
Kuti nyika ione
Kritsu chete mandiri.
Colin Fairclogh