I Heard The Voice Of Jesus Say
Ndakanzwa Jesu achiti:
Uya uzorore;
Zorora waneta, rinza
Musoro pandiri.
Ndakauya kuna Jesu,
Ndakaneta kwazvo;
Ndakawana kuzorora,
Ndinarwo rufaro.
1.
Ndakanzwa Jesu achiti:
Tarisa ndokupa
Mvura youpenyu zvino,
Inwa, uchapona.
Ndakauya kuna Jesu,
Ndakanwa mvura ‘yo;
Nyota yangu yakapera,
Zvino ndaponiswa.
2.
Ndakanzwa Jesu achiti:
Nditarise, iwe;
Ndiri chiedza chenyika,
Ndikuvhenekere.
Ndakatarisa kwaari,
Iye zuva rangu;
Muchiedza choupenyu,
Ndofamba narinhi.
3.
RWASHE