Mwari wedenga napasi,
Ngakuve norurumbidzo;
Toratidza rudo sei:
Mupi wazvose.
1.
Runyararo rwemudzimba
Namakomborero ose;
Tinotenda, tokurumbidzai;
Mupi wazvose.
2.
Makapira Mwana wenyu,
Kunesu tose vepasi;
Mwana wenyu mumwechete:
Makapa zvose.
3.
6
Munopa Mweya Mutsvene,
Mweya worudo nesimba;
Nengoni dzakawandisa,
Nokwatiriwo.
4.
Mukununurwa muzvivi,
Ndiyo nzira youdenga ;
Baba varumbidzwe zvino;
Mupi wazvose.
5.
A Mighty Fortress Is Our Lord