Mwari ngaakudzwe nebasa rake,
Norudo wakatipa mwana wake,
Wakafira kudzikinura zvivi,
Nokuzarura suo reupenyu.
1.
3
Kudza ;She! Kudza ‘She!
Nyika ngaimunzwe;
Kudza ;She! Kudza ‘She!
Vanhu ngavafare;
Uyai kuna Baba nokuna Jesu,
Kudzai nezvakaitirwa isu.
Ruregerero rutsvene rweropa,
Kumutendi chivimbiso chaMwari.
Mutadzi mukuru akangotenda,
Owana ruregerero rwaJesu.
2.
Wakatidzidzisa zvinhu zvikuru
Norufaro rwedu muna Jesu, ‘She,
Rufaro rwedu ruchave rukuru,
Kana toona Jesu mumakore.
3.