Sinner, See Yon Light,
Mutadzi, ona kuvhenekerwa
Kunobva paKarivhari,
Ropa rake rakayerera;
Paakafa M’ponisi.
1.
Chiuya , Chiuya
KuM’chinjikwa wake;
Maoko ake anotambidza,
Ruregerero rwake.
Ndiye M’ponisi pasi pomuti,
Wakatiteurira,
Pamhanza ropa rakabuda
MuGestimani, rima.
2.
Tarisa maoko oM’ponisi
Anodaidza zvino;
Ndakazvipira kukuponisa,
Ndipewo mwoyo wako.
3.
Uya kwaari, ubvume zvivi,
Kune wakakufira;
Uya kwaari nomwoyo wedi
Anokusunungura.
4.