Mugetsimani, murima,
Kwakanzwika izwi
RaJesu, achiteura
Pamberi paMwari.
1.
Panzvimbo iyo,
Inzwa kuchema;
Tarisa Jesu M’ponisi
Ndiye anoteuta.
Ari oga mukutora
Zvakaipa zvedu;
Hakutaurwe kusuwa,
Misodzi neropa.
2.
Iye wopfugama pasi,
Mwana ‘yo waMwari;
Mukusuwa anochema:
Baba, ndoterera.
3.
Handingakanganwe ropa
Nemisodzi yake;
Zvinoramba zvoyerera
Kuti ndishambidzwe.
4.
‘She anondinamatira,
Anondigamuchira,
Jesu, bisai zvakaipa;
Zvino, ndinotenda.
5.