Joy, Joy, Joy
1.
Rufaro ! ruri muHondo yoRuponisi;
Rufaro ! muHondo yaIshe.
Imbai kuna ’She, nziyo dzokurumbidza,
Ridzai ngoma, mimhanzi ichiridzwa;
Ridzai mose, imbai nziyo,
Rumbidzai ’She mune rufaro;
Toenda kunyika yorufaro.
Tofara munziramo.
2.
Rufaro ! ruri muHondo yoRuponiso;
Rufaro ! muHondo yaIshe.
Neropa nemoto mauto anokunda,
Neropa nomoto tinesimba, mukurwa;
Ropa nomoto zvinosimbisa,
Vavengi vedu vanozokundwa;
Iropa nomoto zvinotipa
Simba rokukunda.
3
Rufaro ! ruri muHondo yoRuponiso;
Rufaro ! muHondo yaIshe.
Toimba, toimba, vose vachapembera
Tofara, tofara, denga richaungira;
Nengoma dzedu nemimhanzizve,
Mumisha yedu torumbidza ’She,
Kudzamara ’She asvike,
Tinozomukudza.