Mambo, Mufudzi norudo
Rusingakundikane,
Handina chondoshayiwa,
Ari wangu narinhi.
1.
Kumvura dzinoupenyu,
Anonditungamira;
Nokumafuro manyoro,
Wondigutsa nokudya.
2.
Ndichiri nzenza, chirema,
Murudo wonditsvaka;
Wakandiisa papfudzi,
Kumusha wondiunza.
3.
Napakufa handingatye,
‘She, ari pedyo neni;
Mudonzvo wondinyaradza
Mberi kwomuchinjikwa.
4.
Napamisi yangu yose,
Runako haruperi;
Mufudzi, ndokuimbira,
Mumba mako narinhi.
5.