1. Dyara mangwanani, mbeu dzakanaka,
Dyara masikati, zvimwe kwadoka,
Tikagarira kuibva kwembesanwa
Tichifara kwazvo, kana tokohwa.
Kana tokohwa, kana tokohwa,
Tichafara kwazvo, kana takohwa.
2. Dyara mumimvuri, dyara napazuva
Usatye makore nokutonhora
Nguva dzapfuura, kushanda kwapera,
Tichafara kwazvo, kana tokohwa.
3. Enda zvako zvino udzongerere ‘She
Nyangwe nokunetswa nokutambudzwa,
Kwapera kushanda, achitingura,
Tichafara kwazvo, kana tokohwa.