Kristu, moto woutsvene,
Mutume moto’yo worudo.
Toda chipo chamatenga,
Mutume moto’yo worudo.
Hondo iyi mutarise,
Mweya wenyu ngauuye,
Toda kuti titsveniswe,
Nomoto, nomoto worudo.
1.
Mwari waErija, tinzwei,
Mutume moto’yo worudo,
Mutiite tirurame,
Mutume moto’yoworudo
Kuipa kwedu kupiswe,
Ruvhenekero rupinde,
Izvi zvose ngazviitwe,
Nomoto, nomoto worudo.
2.
Toda moto, tokumbira
Mutume moto’yo worudo.
Muchatipa zvatinoshaya,
Mutume moto’yo worudo
Tipei simba tirurame,
Tipeiwo ngoni tikunde,
Tepeiwo kuti ticheniswe,
Nomoto, nomoto worudo.
3.
Tisimbisei, tiyamure,
Mutume moto’yo worudo
Vatadzi ngavaponiswe,
Mutume moto’yoworudo.
Tozvipira mberi kwenyu,
Nezvinhu zvosewo zvedu,
Zvitsveniswe nomweya wenyu,
Nomoto, nomoto worudo.
4.