Jesu, ndatora M’chinjikwa
Kuti ndikuteverei;
Kunyange ndiri kuzvidzwa,
Muchave zvangu zvose.
1.
Ndichakutevera Jesu
Makafira mhosva yangu,
Kana vamwevokuzvidzai,
Ndichakutevera bedzi.
Zvandaida ngazvipfuure
Zvandaitsvaka zvose;
Ndine pfuma isingafe,
Ndina Mwari nedenga.
2.
Venyika vangandizvidze,
Vakatosiya Mwari;
Vanhu vangandinyengedze,
Imi, muri weidi.
3.
Kana muchindifarira,
‘She werudo nesimba,
Vangandiseme vavengi,
Muri chiedza change
4.
Nhamo haindikuvadze,
Ndichine rudo rwenyu;
Rufaro rune rugare,
Ndirwo runobva kwenyu.
5.
Henry Frances
Jas L. Elginburg