1. Ishe neropa rakaparadzwa,
Ndishambidzwe !
Zvino pamhosva yezvakaipa,
Ndishambidzwe!
Ndaive mutadzi wakaipa,
Kazhinji ndakundwa nokui
Asi, nezwi renyu ndinovimba,
Ndishambidzwe!
2. Ndaichema nazvo zvakaipa,
Ndishambidzwe!
Zvidzikinurwe chose neropa,
Ndishambidzwe!
Chivimbiso chenyu ’She ndotenda,
Zvandauya munondigam’chira,
Kuti ndisanyadzwe nokuipa,
Ndishambidzwe!
pa,
3.
Pakukahadzika kunonetsa,
Ndishambidzwe !
Pakutya kwose kunondishusha;
Ndishambidzwe !
Jesu kunyangwe ndisingazive,
Ndichitenda ngandishambidzwe,
Nezwi netsitsi dzenyu ndomira,
Ndishambidzwe !
4.
Kubva mukutya zvinotaurwa,
Ndishambidzwe !
Ndigopupura pasina kutya,
Ndishambidzwe
Ishe , norudo ndisimbisise,
Ndiri wenyu, vose ngavazive;
Kana ndichiyedzwa ngandiimbe,
Ndishambidzwe !