Crown Him With Many Crowns
Gadzai Gwayana
Nengundu youshe,
Inzwai nziyo kudenga
Dzinorirumbidza.
Muka, mweya imba
Zvowakakufira;
Umukudze Mambo wako
Nokusingaperi.
1.
NdiShe woupenyu
Wakakunda guva;
Akamuka mudambudzo
Kununura vanhu.
Ngatimurumbidze,
Akakunda kufa;
Wakafa kupa upenyu
Kuti rufu rufe.
2.
Gadza Ishe wedu,
Netsvimbo yoUshe;
Kumisa hondo panyika,
Atonge narinhi.
Napatsoka dzake,
Ashonge maruva
Anonhuhwira chaizvo,
Em’Paradhaisi.
3.
Gadza ‘She worudo;
Tarisa muzvanza,
Mavanga anooneka
Norunako rwawo.
Kwaziwa, M’nunuri!
Imi mandifira,
Rurumbidzo rwusoguma
Narinhi, ndorwenyu.
4.