Farai! Ishe wauya,
Gam’chirai Mambo.
Gadzirai nzvimbo yake,
Denga ngariimbe,
Pasi padaire,
Denga, napsi zviimbe.
1.
Farai! Ishe wotonga,
vanhu ngavaimbe.
Minda, hova
Nemakomo,
Zvive momufaro,
Zvose, zvive norufaro.
2.
Anoparadza kuipa,
Namasimba ake,
Anouya
Kununura,
Vanhu varasiki,
Vanhu, vanhu varasiki.
3.
Wotonga nyika nenyasha,
Marudzi oona
Rurumbidzo,
Noutsvene,
Rudo rwoshamisa,
Rudo, rudo rwoshamisa.
4.