KINURO
DZI
1. Jesu makave rudzikinuro;
Rudo rwaishamisa!
Rwakabva mumwoyo waBaba,
Kundifira paMuchinjikwa,
Ndinunurwe pakuipa;
Rudo rwaishamiswa.
Rudo rwunoshamisa zvikuru,
Runobva kudenga kum’soro,
Runondizadza, tunondifadza,
Rudo rwaishamisa!
2. Muchinjikwa unotiratidza
Zviitiko zvorudo;
Nengoni ndichamushandira
Narinhi kana ndaponiswa
Makauya kutifira;
Rudo rwaishamisa!
3. Rudo rwake rwonyengetedza,
Rudo runoshamisa!
Kukudavirai ndakaramba,
Asi ’She ndauya kwamuri,
Zvose zvangu ndozvipira
Pamusana perudo.