He Leadth Me
1.
Jesu wanditungamira,
Mazwi aya andifadza,
Zvose izvo zvondoita,
Ndotungamirwa naIshe.
Anonditungamira,
Wondibata noruoko;
Ndichazova muteveri,
Ndotungamirwa naIshe.
2. Munguva dzokutambudzwa,
Nomunguva dzokufara;
Murugare, nomunhamo
Ndotungamirwa naIshe.
Ndobata ruoko rwa’She
3.
Handinyunyute narinhi;
Mwoyo wofadzwa nazvose,
Ndotung amirwa naIshe.
4. Kana ndapedza mabasa,
Ndakunda nengoni dzake;
Handichazorutya rufu,
Ndotungamirwa naIshe.