M’PONISI JESU, ANONDISHAMISA
He Hideth My Soul
1. Muponisi Jesu, anoshamisa,
Anondishamisa kwazvo!
Anovanza mweya wangu mudombo
Mune hova dzorudo
Anovanza mweya wangu mudombo
Riri munyika yenyota ;
Anovanza upenyu nomurudo,
Noruoko wondivanza.
2. Muponisi Jesu anoshamisa,
Mutoro wangu wobisa;
Wonditsigira, handitsukunyudzwe,
Wogarondipa masimba.
3. Wondiropafadza panguva dzose,
Ndozadzwa noMweya M’tsvene;
Ndoimba, ndofara : Rumbidza Mwari !
Iye Mununuri wangu.