1. Pamwenje waMwari wedu,
Ndofamba, ndiri kufamba;
Panzira yaTenzi wedu,
Ndofamba ndiri kufamba.
Hanzu chena yokukunda,
Musha wangu wakanaka,
Mubayiro, nokufara,
Ndowana kudenga.
Jesu Muponisi wangu
Wakandishambidza,
Wakandifira paKarivhari,
Norudo rwakanakisa ndogaroimba,
Ndinogara patsime roMuponisi.
2. Ndokunda hondoyezvivi,
Ndofamba ndiri kufamba;
Nesimba roM’ponisi,
Ndofamba ndiri kufamba.
3. Nesimba roMweya wake,
Ndofamba ndiri kufamba;
Ndokunda mukurwa kwose,
Ndofamba ndiri kufamba.
4. Ndinozoenda pamberi,
Ndofamba ndiri kufamba;
Ndichiparidza zvaMwari,
Ndofamba ndiri kufamba.
Robert Johnson