1. Munamato ndicho chido
Chomwoyo wom’tendi;
Shungu inofana moto
Yobvisa hana.
2. Munamato, ndokutura
Befu nemisodzi,
Kutarisisa kudenga
Uko kuna Mwari.
3. Munamato ungaitwe
Naivo vaduku
Munamato wakakosha
Pamberi paMwari.
4. Munamato womutadzi;
Kudzoka kuzvivi;
Ngirozi dzoimba dzoti:
Hona, wonamata.
5. Munamato ndiwo mweya
womuKristu wose;
ishoko rake pakufa;
romupinza denga.
6. Ndiyo nzira kuna Mwari,
Upenyu neidi:
Munzirayo tidzidzisei
Ishe , kunamata.