Salvation Army Hymn 392

Come , Ye Thankful People
1.
Uyai, nokutenda,
Nenziyo dzokukohwa;
Zvose zvaunganidzwe,
Chando chave kupera.
Musiki anotipa,
Zvose zvatinoshaya
Uyai kumba kwaShe,
Nenziyo dzokukohwa.
2. Nyika, munda waIshe,
Mbeu dzose ndedzake;
Zviyo, sora zvokura,
Rufaro nokusuwa.
Tsanga, tevera hura,
Tevera zvakaibva;
Tiite isu, Ishe,
Tive zviyo zvitsvene.
3. Ishe, Mwari wouya,
Kuti akohwe mbesa;
Achabisa mumunda
Zvose zvinonyangadza.
Nengirozi dzopisa
Mumoto rose sora;
Asi dzizere hura,
Dzichaiswa mudura.

4. Chiuyai zvino, Ishe,

Nezvikohwa kumusha;

Muunganidze venyu,

Pasina matambudzo.

Vakacheniswa vose,

Mumushamo vagare;

Chiuyayi nengirozi,

Nezvikohwa kumusha.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.