What A Friend
1. Hama yedu, ndiye Jesu,
Watakudzwa kuipa;
Tapihwa kuti tiuye
Kwaari nokuteura
Runyararo hatiwane,
Tinotambudzwa kwazvo,
Nokuti hatitakure
Zvose nomuteuro.
2. Takanetswa nokuedzwa
Tinotambudzwa here?
Ngatirege kutsutsumwa,
Teura kuna Ishe;
Aripo wakatendeseka,
SaJesu anetsitsi?
Waziva hweu utera,
Teura kuM’ponisi.
3. Tinoremerwa zvikuru
Zviripo zvinonetsa
M’ponisi ibako redu,
Kuna iye teura;
Hama dzako dzakuzvidza?
Teura kuna Ishe;
Mumaoko wochengetwa.
Uchazorodzwa naye.