1. Amai nevana,
Vauya kuna Jesu,
Vadzidzi vavadzivira
Vachiti : ibvai.
Asi Jesu ane tsitsi,
Akanyemwerera oti :
Regai vauye vana vadiki.
2. Ndichavagam’chira,
Nokuvafungatira;
Ndichava mufudzi wavo,
Musavarambidze!
Kana vazvipa kwandiri
Vogara neni kudenga;
Regai vauye vana vadiki.
3. Ishe wakapfava
Wakavaropafadza;
Asi zviuru zvavana
Havati vamunzwa;
Havana Bhaibheri rake,
Havazive mazwi ake;
Regai vauye vana vadiki.
4. Tinodisa kwazvo
Kuti marudzi ose,
Asiye zvifananidzo
Vanamate Ishe.
Muvavhenekere, Mwari,
Norudo rwenyu kwavari,
Ngavadzidziswe vauye kwamuri.
William Medlen Hutchings